Ahihi ndinorwirwa, neNgoni dza Emanuwero
Rwendo rwuno ndapihwa simba
Rekurova mhandu nhongonya
Vandikandire matombo munzira
Ndomanhonga ndovaka imba
Vatumire zvishiri kumba, ndozviteya ndovesa moto
Hakunai aneSimba kunyangwe remugungwa ringa kunda Ngoni
Deketai mumutse kunyangwe ari Shaka Zulu nengoni modzva
Manuwere ati ndinorwirwa nana maikoro handimbovatya
Ndavaona neNgoni kuhope panga ndirere
Ende varoyi vaputsira gate pane mharadzano
Vataswa mapere vasimudze mhepo ndigotetereka
Ndigotetereka ne nyika ndigoita chadzimira
Asi Manuwere adzika nengoni dzinoriritira
Dzinoriritira Mwari vane Ngoni dzinoriritira
Vanofunga kuti ndinovhundutswa ne bere
Asi ndava vhurira magwaro bhuku kuna Danyero
Kunge Danyero nyangwe dzive shumba ndinokurira
Ndinokurira nedenga rine Ngoni dzinoriritira
Dzinoriritira Mwari vane Ngoni dzinoriritira
Rega ndiva tende Mwari vandibvisa kune guruvaa
Ndaiva chiseko asi nhasi ndodya nana Mambo
Nana Mambo vambondiseka vaya varipii
Ndisimudze tafura ndonoigadza pamberi pavo
Ndoridza hwamanda ndoti chimbo pfuurai nekunoo
Ndaifidza makwai asi nhasi ndave Mambo
Musavhunduka mkoma ehe ndini Josefa
Hupenyu imhindu pindu kune Ngoni dzinokomborera
Dzinokomborera Mwari vane Ngoni dzinokomborera
Maiti ndinosvika kufa ndichidya nhoko here
Zvamaiswera muchitandara nekutambura kwangu
Ini ndichitatarika maingondiringa moti ndoonda
Mufunge ndaizama ndikakundika monditi nyope
Hezvo ndosevawo mava kuhumana ndava nechikwambo
Kana riri godo rwendo rwuno muchadzipwa mukafa
Nekuti Manuwero adzika ne Ngoni ndigodya rifa
Ndaiti ndikavafonerawo vaisambo dairaa
Nhasi vave kuti ndave kudada handifonere vanhu
Ndaiti ndikava mhoresawo vaisandidaira
Vairinga divi sendati ndotengesa nyama ye bveni (Gudo)
Ndaizo pota nemadziro wanike ndosvimha misodzi
Ndoti Mwari werugare kumba kwangu ndosvikawo
Mosvikawo rinhiko. Kuno nehurombo
Ndongozvipeta kunge zongororo
Ndikahwereketa unganzwa vototi ndatuka ambuya
Hurombo imhosva unopikira kunyangwe dzevamwe
Asi ndinorwirwa ne Ngoni dza Emanuwere
Rwendo rwuno ndapihwa simba
Rekurova mhandu nhongonya vandikandire
Matombo munzira, ndomanhonga ndovaka imba
Vatumire zvishiri kumba, ndozviteya ndovesa moto
Hakunai aneSimba kunyangwe
Remugungwa ringa kunda Ngoni
Deketai mumutse kunyangwe ari
Shaka Zulu nengoni modzva
Manuwero ati ndinorwirwa nana
Maikoro handimbovatya
Paroles2Chansons dispose d’un accord de licence de paroles de chansons avec la Société des Editeurs et Auteurs de Musique (SEAM)